Zimbabwe yakazivisa kuti yakatarisana nenzara


04 Apr 24

Click here to watch video

Mutungamiri wenyika vaEmmerson Dambudzo Mnangagwa musi wechitatu 03 Kubvumbi 2024 vakazivisa kuti nyika yakatarisana nekuomerwa kunokonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze eElnino.

Kusanaya kwemvura yakakwanira pamwaka wa2023 – 2024 kwakonzera kuti pasave negoho rezvekudya rinokwanira

VaMnangagwa mumashoko avo vakavimbisa kuti hurumende yavo ichayedza nepainogona napo kuti pasawanikwe vanoziya kana kufa nenzara.

Vakakoka masanganano anopa rubatsiro rwekudya kuti vabatsire zvezvo hurumende yavo ichitarisira kuti panodiwa mari inokwana mabhiriyoni maviri ekutenga zvekudya kuti veruzhinji vakwanire.

VaMnangagwa vakavimbisa zvakare kuti hurumende ine zvirongwa zvizhinji zvekurwisana nekusanaya kwemvura yakakwanira zvinosanganisira kuvakwa kwemadhamu zvakare kucherwa migodhi yemvura.

Vakati vachasimbisa zvirongwa zvekuti zvipfuwo zvisazofe nekushaikwa kwe mvura yekumwa.